Skip Navigation

National Geographic Society Este programa se distribuye en los Estados Unidos y Canadá por National Geographic y EHD. [obtenga más información]

DVD ilustrado plurilingüe

La biología del desarrollo prenatal




CHIDZIDZO CHEBIOLOGY PAKUKURA KWEMWANA MUDUMBU

.Shona


 

Descargar versión en formato PDF  ¿Qué es PDF?
 

Capítulo 1   Introducción

Nzira inoshamisa chaizvo inokonzera kuti kazai kamwechete kapinduke kuita zviuru zvakawanda zvinosika mhunu ndizvo zvatingati zvinoshamisa kupfuura zvimwe zvese muhupenyu.

Vaongorori vaveneruzivo rwemasikirwo anoitwa nhengo dzemuviri wemunhu uye dzinogadzirwa munhu asati aberekwa - kazhinji nhumbu ichangobatwa.

Makuriro emwana ari mudumbu inguva inozikanwa seyekugadzirira panguva iyi kusikwa kwemunhu kunoshandisa nhengo dzakawanda, uye nehunyanzvi nemashandiro akasiyana-siyana kuitira kurarama pakuberekwa.

Capítulo 2   Terminología

Muvanhu, nhumbu Inotora masvondo makumi matatu nemasere kana tichitanga kuverenga kubva musi wekusangana, kana kuti,kubva pakubata nhumbu kusvika pakuberekwa.

Mumasvondo masere ekutanga muchangosangana, magadzirirwo emwana anozivakanwa seemburiyo izvi zvinoreva kukurira mukati. Nguva iyi inonzi nguva yekugadzira embryo, uye ndipo panogadzirwa zvakaita senhengo dzemuviri dzese.

Panoguma masvondo masere kusvikira pakukwana kwenhumbu, mwana anenge achikura anodaidzwa kuti "fetus," zvinoreva munhu asati aberekwa. Nguva iyi inonzi, nguva yekufetus. Muviri unotangakukura uye nhengo dzemuviri dzinotanga kushanda

Zvese zvinoitika panguva Ino, Zvinotanga kubvira panguva yekusangana yemunhurume nemunhukadzi